Ezekiel 18

Mweya unotadza uchafa

1Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, 2“Munoreveiko vanhu imi zvamunodzokorora tsumo iyi pamusoro penyika yeIsraeri, muchiti,

“ ‘Madzibaba akadya mazambiringa anovava,
meno avana akaita ugugu’?
3“Zvirokwazvo noupenyu hwangu, ndizvo zvinotaura Jehovha, hamuchazodzokororizve tsumo iyi muIsraeri. 4Nokuti mweya mupenyu mumwe nomumwe ndowangu, baba pamwe chete nomwanakomana vose saizvozvo ndevangu. Mweya unotadza ndiwo uchafa.

5“Ngatiti pane munhu akarurama
anoita zvinhu nokururamisira uye nokururama.
6Haadyiri pashongwe dzezvifananidzo mumakomo
kana kutarira kuzvifananidzo zveimba yaIsraeri.
Haasvibisi mukadzi womuvakidzani wake,
kana kuvata nomukadzi ari kumwedzi.
7Haamanikidzi mumwe munhu,
asi anodzorera rubatso rwaakatora pachikwereti.
Haaiti zvougororo,
asi anopa zvokudya zvake kune vane nzara
uye anopfekedza vakashama.
8Haarevi chimbadzo paanokweretesa
kana kutora mhindu yakakurisa.
Anodzivisa ruoko rwake kuita zvakaipa,
uye anotonga zvakarurama pakati pomunhu nomunhu.
9Anotevera mitemo yangu,
uye akatendeka pakuchengeta mirayiro yangu.
Munhu uyo akarurama;
zvirokwazvo achararama,
ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
10“Ngatiti ane mwanakomana anoita zvechisimba, anoteura ropa kana chimwe chezvinhu izvi 11(kunyange baba vake vasina kumboita chimwe chazvo):

“Anodya pashongwe dzezvifananidzo mumakomo.
Anochinya mukadzi womuvakidzani wake.
12Anomanikidza varombo navanoshayiwa.
Anoita zvougororo.
Haadzoreri zvaakakwereta.
Anotarisira kuzvifananidzo.
Anoita zvinonyangadza.
13Anokweretesa achireva chimbadzo uye anotora mhindu yakakura.
Munhu akadaro achararama here? Kwete, haangararami! Nokuda kwokuti akaita zvinhu izvi zvinonyangadza, achafa, zvirokwazvo, uye ropa rake richava pamusoro pake.

14“Asi ngatimboti, mwanakomana uyu ane mwanakomana anoona zvivi zvose zvinoitwa nababa vake, uye kunyange achivaona, haaiti zvinhu zvakadai:

15“Haadyi pashongwe dzamakomo
kana kutarisira kuzvifananidzo zveimba yaIsraeri.
Haachinyi mukadzi womuvakidzani wake.
16Haamanikidzi munhu upi zvake
kana kureva rubatso pachikwereti.
Haaiti ugororo,
asi anopa zvokudya zvake kuna vaya vane nzara,
uye anopfekedza vanoshaya zvipfeko.
17Anodzivisa ruoko rwake kutadza
uye haarevi chimbadzo kana mhindu yakakura.
Anochengeta mirayiro yangu nokutevera mitemo yangu.
Haangafi nokuda kwechivi chababa vake; zvirokwazvo achararama.
18Asi baba vake vachafa nokuda kwechivi chavo, nokuti vaiita zvinhu nokumanikidza, vakapamba mununʼuna wavo uye vakaita zvakaipa pakati pavanhu vavo.

19“Kunyange zvakadaro munobvunza muchiti, ‘Mwanakomana anoregereiko kuva nemhosva yezvakaipa zvababa vake?’ Sezvo mwanakomana akaita nokururamisira uye nokururama uye kuti akanga akangwaririra kuchengeta mitemo yangu, iye achararama zvirokwazvo. 20Mweya unotadza ndiwo uchafa. Mwanakomana haangagovani nababa vake pamhosva yavo, uye baba havangagovani mhosva yavo nomwanakomana. Kururama kwowakarurama kuchava pamusoro pake, uye kuipa kwowakaipa kuchava pamusoro powakaipa.

21“Asi kana akaipa akatendeuka kubva pazvivi zvaakaita uye akachengeta mitemo yangu, akaita nokururamisira uye nokururama, zvirokwazvo achararama; haangafi zvirokwazvo. 22Kudarika kwake kwose kwaakaita hakungarangarirwi. Nokuda kwezvinhu zvakarurama zvaakaita, iye achararama. 23Ko, ndingafarira rufu rwowakaipa here? Ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. Asi handifari here pavanotendeuka kubva panzira dzavo kuti vararame?

24“Asi kana munhu akarurama akatsauka pakururama kwake akaita chivi uye akaitawo zvinonyangadza zvinoitwa nomunhu akaipa, angararama here? Zvakarurama zvaakaita hazvizorangarirwi. Nokuda kwemhosva yokusatendeuka kwaanako uye nokuda kwezvivi zvaakaita, iye achafa zvirokwazvo.

25“Asi munoti, ‘Nzira yaJehovha haina kururama.’ Haiwa imi imba yaIsraeri: Nzira yangu haina kururama here? Ko, hadzisi nzira dzenyu imi dzisakarurama here? 26Kana munhu akarurama akatsauka akaita chivi, achafa nokuda kwechivi chake; nokuda kwechivi chaakaita achafa. 27Asi kana munhu akaipa akadzoka pane zvakaipa zvake zvaakaita akaita zvakarurama nokururamisira, achaponesa mweya wake. 28Nokuti anorangarira kudarika kwake kwose kwaakaita uye anotendeuka kubva panzira dzake, zvirokwazvo achararama; haangafi. 29Asi imba yaIsraeri inoti, ‘Nzira yaJehovha haina kururama.’ Nzira dzangu hadzina kururama here, imi imba yaIsraeri? Ko, hadzisi nzira dzenyu dzisakarurama here?

30“Naizvozvo, imi imba yaIsraeri, ndichakutongai, mumwe nomumwe zvakafanira nzira dzake, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. Tendeukai! Dzokai pakudarika kwenyu kwose; ipapo chivi hachingakuwisirei pasi. 31Rasai kudarika kwenyu kwamakaita, mufuke mwoyo mutsva nomweya mutsva. Ko, muchafirei, imi imba yaIsraeri? 32Nokuti handifariri rufu rwomunhu upi zvake, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. Tendeukai murarame!

Copyright information for SnaBDSC